Monday, July 8, 2013

Mota Yamukoma


Veruzhinji musateerere zvirikutaurwa neshamwari yangu Farai, nekuti sekuziva kwenyu, Farai anotaura zvinetuzukuru. Kuti nyaya yacho ipere, regai ndikuudzei zvakaitika chaizvo.

Zvakaitika chaizvo ndezvekuti nemusi weChitatu ndakakwereta mota yamukoma wangu. Musazoudza mukoma kuti ndakaita izvi sezvo kukweretana uku kwakaitika iye asingazivi.

Iniwo semunhu ajaira kugara paKadoma muKombi, ndakanyatsoifuridza mota ndakananga kubasa. Iko kuzodya hwindoo sezvinonzi mota yacho yaive yangu...

Zvisinei, ndakasvika kubasa pasina kana chipingaidzo. Kana mapurisa anonzi naFarai akandipa tikiti munzira haana kumboita zvakadaro. Manyepo chete. Ndepi kwamakambonzwa kuti kukumbira mota yamukoma muchivande imhosva?

Zvisinei, ndakasvikopaka mota iya panopakwa mota dzevashandi vehurumende ndokubudamo ndichizvitwasanura senjonda.

Ndokuchifamba ndichipinda mubasa kamwoyo kachitekwaira. Izvi zvirikunzi naFarai vakomana vepagedhi vakamhanyidzana vachida kuona kwandaive ndawana mota manyepo.

Ndaitodawo kuonekwa asi hapana akandiona...

Regai ndipedzise vehama ndichiti zvizhinji zvirikutaurwa naFarai ndezvekunyepa. Chokwadi chete pane zvaari kureva ndezvekuti pakupera kwezuva, semunhu akajaira kufamba nemakombi, ndakabuda mubasa ndakananga kuCharge Office.

Ndaive ndatokanganwa kuti ndauya nemota.

Ichokwadi zvakare kuti ndakatozopatika ndava kutsvaka Five Rand yekombi, ndakatogara mukombi macho. Ndipo pandakanzwa kurira makii emota.

Hana yakarova ndokuchiyeuka kuti gara zviya nhasi ndakwereta mota yamukoma.

Ndokuchimhanya kudzaka mukombi muya, kwakutanga zvekare rwendo rwemaminetsi 30 ndakananga kwandaive ndasiya mota.

Zvese izvi zvirikutaurwa naFarai zvakaitika. Chandirikuramba chete kuti ndakanyepera Hwindi kuti ndaive ndisina mari kuti ndiburuke mukombi iya. Ndaigodaro sei iyo kombi yacho yainge isati yazara?

Saka, vehama, musateererezvirikutaurwa naFarai. Manyepo ega ega. Uye musazoudze mukoma kuti ndakakwereta mota yavo vasingazive.

No comments:

Post a Comment